Matthew 22

Mufananidzo wemuchato

1Zvino Jesu wakapindura akataurazve kwavari nemifananidzo, achiti: 2Ushe hwekumatenga hwakafananidzwa neumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wemuchato; 3akatuma varanda vake kunodana vakange vakokwa kumuchato, asi havana kuda kuuya. 4Akatuma zvekare vamwe varanda, achiti: Udzai vakakokerwa muti: Tarirai, ndagadzira chisvusvuro changu, nzombe dzangu nezvakakora zvabaiwa, uye zvinhu zvese zvagadzirwa; uyai kumuchato. 5Asi havana kuzvikoshesa, vakaenda, umwe kumunda wake pachake, umwe kukutengeserana kwake; 6vakasara vavo vakabata varanda vake, vakavaitira zvakaipa, vakavauraya. 7Zvino mambo wakati azvinzwa, wakatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza mhondi idzo, akapisa guta ravo. 8Zvino akati kuvaranda vake: Muchato wagadzirwa, asi vakange vakokwa vakange vasina kufanira. 9Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumuchato vese vamunowana. 10Varanda avo vakabudira kunzira, vakaunganidza vese nekuwanda kwevavakawana, zvese vakaipa nevakanaka; imba yemuchato ikazara nevagere pakudya. 11Zvino mambo wakati achipinda kuzoona vagere pakudya, akaona ipapo munhu asina kupfeka chipfeko chemuchato; 12akati kwaari: Shamwari, wapinda sei pano usina chipfeko chemuchato? Akashaya remuromo. 13Zvino mambo akati kuvaranda: Musungei makumbo nemaoko, mumubvise, mukandire kurima rekunze kwekupedzisira; apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno. 14Nokuti vazhinji vakadanwa, asi vashoma vanosanangurwa.

Kuripira Kesari mutero

15Zvino VaFarisi vakaenda vakanorangana kuti vangamuteya sei pakutaura. 16Vakatuma kwaari vadzidzi vavo vane VaHerodhe, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechokwadi, uye munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi, musingarangariri zvemunhu, nokuti hamutariri chimiro chevanhu. 17Naizvozvo tiudzei: Munofungei? Zvinotenderwa kupa Kesari mutero here, kana kwete? 18Asi Jesu wakaziva kuipa kwavo, akati: Munondiidzirei, vanyepedzeri? 19Ndiratidzei mari yemutero. Vakamuvigira dhenario*. 20Zvino akati kwavari: Mufananidzo uyu nechinyorwa ndezvani? 21Vakati kwaari: ZvaKesari. Ipapo akati kwavari: Naizvozvo dzorerai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari. 22Vakati vanzwa vakashamisika, vakamusiya, vakaenda.

Vanobvunza Jesu pamusoro pekumuka kwevakafa

23Nezuva iro kwakauya kwaari VaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka, vakamubvunza, 24vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakati: Kana munhu akafa asina vana, munin'ina wake achawana mukadzi wake, agomutsira mukoma wake mbeu. 25Paiva pakati pedu nevanakomana vemunhu umwe vanomwe; wekutanga akawana mukadzi, akafa; uye asina mbeu, akasiya mukadzi wake kumunin'ina wake. 26Saizvozvowo wechipiri, newechitatu, kusvikira kune wechinomwe. 27Pakupedzisira kwevese mukadzi akafawo. 28Zvino pakumuka, achava mukadzi waani pavanomwe? Nokuti vese vakava naye. 29Jesu ndokupindura, akati kwavari: Munorasika, musingazivi magwaro, kana simba raMwari; 30nokuti pakumuka havawanani, havawaniswi; asi vakaita sevatumwa vaMwari kudenga. 31Asi maererano nekumuka kwevakafa, hamuna kuverenga here zvakataurwa kwamuri naMwari, achiti: 32Ini ndiri Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho? Mwari haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu. 33Zvino zvaunga zvichizvinzwa zvakashamisika nedzidziso yake.

Murairo mukuru

34VaFarisi vakati vachinzwa kuti washaisa VaSadhusi remuromo, vakaungana pamwe. 35Zvino umwe wavo, nyanzvi yemutemo, wakamubvunza, achimuidza, ichiti: 36Mudzidzisi, ndeupi mutemo mukuru pamurairo? 37Jesu akati kwaari: Ida Ishe Mwari wako, nemoyo wako wese, uye nemweya wako wese, uye nemurangariro wako umwe neumwe. 38Ndiwo murairo wekutanga uye mukuru. 39Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida umwe wako sezvaunozvida iwe. 40Pamirairo iyi miviri, murairo wese nevaporofita zvakaremberedzwa.

Kristu Mwanakomana waDhavhidhi

41Zvino VaFarisi vachakaungana, Jesu akavabvunza, 42achiti: Munofungei pamusoro paKristu? Mwanakomana waani? Vakati kwaari: WaDhavhidhi. 43Akati kwavari: Ko Dhavhidhi wakagomutumidza sei muMweya kuti Ishe, achiti: 44Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako? 45Zvino kana Dhavhidhi achimuti Ishe, anova mwanakomana wake sei? 46Zvino hakuna akagona kumupindura shoko; uye kwakange kusina munhu kubva pazuva iro wakatsunga kumubvunzazve.

Copyright information for Shona